Psalms 80

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa eSungano.” Pisarema raAsafi.

1Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri,
imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai;
iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai
2pamberi paEfuremu, Bhenjamini naManase.
Mutsai simba renyu;
uyai mutiponese.

3Tidzorei, imi Mwari,
penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,
kuti tiponeswe.

4Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose,
kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa
pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko?
5Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye;
makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.
6Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo,
uye vavengi vedu vanotiseka.

7Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose;
penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,
kuti tiponeswe.

8Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti;
makadzinga ndudzi mukaudyara.
9Makaukurira nzvimbo,
uye ukava nemidzi ukazadza nyika.
10Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo,
nemisidhari mikuru namatavi awo.
11Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa,
namabukira awo kusvikira kuRwizi.

12Seiko makaputsa masvingo awo
kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo?
13Nguruve dzinobva musango dzinouparadza,
uye zvisikwa zvesango zvinoudya.
14Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose!
Tarirai muri kudenga muone!
Rindai muzambiringa uyu,
15iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi,
mwanakomana wamakazvirerera.

16Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto;
pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.
17Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu,
mwanakomana womunhu wamakazvirerera.
18Ipapo hatingazobvi kwamuri;
timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.

19Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose;
penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,
kuti tiponeswe.
Copyright information for SnaBDSC